Accessibility links

Breaking News

Vakange Vapotera kuSouth Africa Vodzokera kuZimbabwe


Zvizvarwa zveZimbabwe zvinosvika makumi matatu nezvitatu, kusanganisira vana nemadzimai vanga vachigara pachechi yeCentral Methodist muJohannesburg, kuSouth Africa, vadzokera kumusha vachibatsirwa nesangano reInternational Organisation of Migration, IOM, pamwe neSouthern African Women for Immigration Affairs, SAWIMA.

Chirongwa chekubatsira vanoda kudzokera kuZimbabwe chakanga chatangwa paine tarisiro yekubatsira varairidzi vakanga vazvipira kudzokera kunotanga mabasa zvichitevera kurudziro yehurumende yemubatanidzwa yekuti vadzoke kumusha.

Asi zvinonzi vazhinji vevarairidzi vakanga vanyoresa kudzokera kuZimbabwe, havana kuzokwanisa kuzviita, izvo zvazopa mukana kune vamwewo zvavo vanga vachigara pachechi iyi kuti vatakurwe nebhazi pasina muripo vachidzokera kumusha.

Munyori anoona nezverubatsiro musangano reSAWIMA, VaTobias Chatindo, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti vanga vakatarisira kubatsira varairidzi vanosvika makumi mashanu.


Dzimwe Nhua Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG