Accessibility links

Breaking News

Vakuru veMauto Vomira naVaGono


Vakuru vemauto nevamwe vanonzi vakaoma musoro muZANU-PF vakabuda pachena vachitsigira gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, kuti vasasiiswe basa ravo.

MDC inoti VaGono pamwe nemuchuchusi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, vanofanira kusiya basa sezvo vakasarudzwa naVaMugabe mbune pasina kuwirirana nevamwe vavo, VaTsvangirai naVaMutambara.

Nyaya dzevavaviri ava dzakatoendeswa kuSADC kuti iite mutongi gava. Asi bepanhau reHerald rinoti gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vakaudza vanhu pakuvigwa kwemukoma waVaGono, VaPeter Gono, neChipiri kuti vanoda kuti VaGono vasiye basa, zvakafanana nekuti ZANU-PF ibude muhurumende.

Vachimirira vakuru vemauto parufu apa, Air Vice Marshal Henry Muchena, vakaudzawo vanhu kuti vakagadzirira kudzivirira VaGono kune vari kuti vaende.

Vamwe vevakuru vemauto ava vakambotiwo havafi vakasaruta VaTsvangirai sezvo vasina kuenda kuhondo.

Professor John Makumbe inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachidzidzisa pa University of Zimbabwe. VaMakumbe vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti vemauto havafanire kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika.


Dzimwe Nhau Kubva KuStudio7...

XS
SM
MD
LG