Accessibility links

Breaking News

Hurumende neVarimi Zvosiyana Pahuwandu hweChikafu Munyika


Hurumende inoti huwandu hwechibage chichakohwewa mwaka uno hungangosvika pamiriyoni imwe chete nemazana maviri ezviuru zvematani, kubva pamatani mamiriyoni maviri nemazana maviri ezviuru anodiwa nenyika.

Asi sangano revarimi reCommercial Farmers’ Union rinopokana nemaonero ehurumende aya, richiti goho rechibage remwaka uno, richange rakadzikira zvikuru kusvika pamatani mazana mana ezviuru chete, kana kuti 400 000 tonnes.

Mutungamiri weCFU, VaTrevor Gifford, vanoti huwandu hwechibage uhu ndehwe nyika yose, pasati paiswa parutivi chibage chichazotengeswa kuGrain Marketing Board nevarimi.

Svondo rapera, vashandi vekubazi rezvekurima vakasangana nekomiti yeparamende inoona nezvekurima, vachiizivisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzechikafu, uye goho ringatarisirwa mwaka uno.

Imwe nhengo yekomiti iyi uye vari mumiriri weMbare mudare reparamende, VaPiniel Denga, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti vashandi vebazi rezvekurima vakavapa humbowo hwechikafu chichawanikwa munyika yose.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG