Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Haisi Kudzokera Shure paNyaya yaVaGono


Bato reMDC rinoti mashoko emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ekuti gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, havasi kuzosiya basa ravakavapa, haana nematuro ose.

MDC inoti VaGono nemuchuchusi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, vanofanirwa kusiya basa uye mabhuku ebhanga guru renyika anofanirwa kupenengurwa nenyanzvi kuitira kuti paonekwe mabasa akaitwa naVaGono.

Nyaya yaVaGono pamwe naVaTomana yakatokwidzwa kuSADC neAfrican Union kuti dziyananise, sezvo pasina kuwirirana pakati paVaMugabe, VaMorgan Tsvangirai naVaArthur Mutambara.

Ukuwo hondo yemashoko pakati paVaGono negurukota rezvemari, VaTendai Biti, iri kuenderera mberi.

NeChipiri bepanhau reHerald rakati pane mushandi wekumajeri akasungwa mushure mekunge ayedza kuti mumwe musungwa amupe humbowo hwekuti VaGono vakaita zvehuori panyaya yekupa vanhu zvekurimisa. Mushandi uyu anonzi ainge atumwa naVaBiti.

Asi VaBiti vanoti mashoko aya haasi echokwadi. VaBiti vanotiwo hurumende yave kupedza kugadzirisa mutemo weRBZ Act uyo uchaita kuti pave na Executive Chairman anenge achibatsirawo kubhanga iri.

Asi VaGono vanoti zviri kuitwa izvi kuda kuderedza masimba avo. VaNelson Chamisa ndivo mutauriri weMDC. VaChamisa vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti VaGono vakakundikana basa nekudaro ngavaende pamudyandigere.

Nyazvi munyaya dzezvehupfumi, uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vaudzawo Studio7 kuti RBZ inofanira kuvandudzwa mashandiro ayo kuti vanhu vave nechivimbo nayo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG