Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva re Africa Day


Zimbabwe yacherechedza zuva reAfrica Day ichikurudzirwa kuti isimudzire mabasa evechidiki, pamwe nekupa vechidiki mabasa epamusoro muhurumende yemubatanidzwa.

Vachitaura pahurongwa uhu neMuvhuro muHarare, gurukota rezvevechidiki, VaSaviour Kasukuwere, vati hurumende ine hurongwa hwekusimudzira vechidiki, uye kuti vatange mabasa epamusoro pamwe nekutanga mabhizinesi akaita semigodhi.

Vechidiki vanga vari pahurongwa uhu vatiwo hurumende inofanirwa kupawo vechidiki mabasa akaita sevamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika, sezvo vechidiki vachikosha munhoroondo yenyika. Hurongwa hwekucherechedza Africa Day hwange huine nhetembo, nziyo pamwe nemitambo ine chekuita nezuva reAfrica Day.

Zuva reAfrica Day rakasarudzwa paine chinangwa chekuti nyika dzemuAfrica dzicherechedze kubatana kwadzakaita, pamwe nekusimudzira mabasa anoitwa muAfrica yose.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG