Accessibility links

Breaking News

Amai Matibenga Voitwa Gavhuna Mutsva weMasvingo


Mutungamiriri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vazivisa nyika neChina kuti vakawirirana navamwe vavo, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, pazvinhu zvakawanda zvanga zvichinetsa muhurumende yemubatanidzwa.

VaTsvangirai vati nyaya dzakawiriranwa ndedzemagavhuna ematunhu enyika, vamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika, pamwe nenyaya yevanyori vemapazi ehurumende.

VaTsvangirai vatora mukana uyu kudoma mazita evanhu vachagadzwa semagavhuna eMDC mumatunhu mashanu akakunda MDC musarudzo yegore rapera.

Mudzimai anorwira kodzero dzevashandi, Amai Lucia Matibenga, ndivo vari kuitwa gavhuna mutsva weMasvingo. Amai Matibenga inhengo yedare reHouse of Assembly, uye vane nyaya isati yagadziriswa nebato iri yemakakatanwa aripo mubazi revanhukadzi.

Amai Matibenga vakasiiswa chigaro chekuva sachigaro webazi revanhukadzi muMDC nenzira isina kururama, izvo zvakasiya nepadiki bato iri rapatsanuka.

VaSeiso Moyo ndivo vachava gavhuna mutsva weBulawayo, uye vatora basa ranga richiitwa naVaCain Mathema veZanu PF. VaTose Sansole ndivo vava kuitwa gavhuna weMatabeleland North, ukuwo VaJulius Magarangoma, ndivo vachange vari gavhuna weManicaland. VaMagarangoma vari kutora basa ranga richiitwa naVaChris Mushowe veZanu PF.

Senator James Makore ndivo vari kuitwa gavhuna weHarare, chigaro china VaDavid Karimanzira veZanu PF.

Panyaya yevanyori vemapazi ehurumende, VaTsvangirai vati nyaya iyi vaisiya yakadaro sezvo vanhu vakadomwa naVaMugabe mushure mekubatsirwa nesangano rePublic Service Commission, vari vanhu vanokwanisa kuita basa ravo. Vatiwo vashandi vose vehurumende havafanirwe kuita zvematongerwo enyika.

Asi VaTsvangirai vatiwo pachine kupokana kukuru panyaya yagavhuna webanga guru renyika, VaGideon Gono, pamwe negweta guru rehurumende, VaJohannes Tomana. Vati kusawirirana kwavo panyaya iyi, kwavakuzozeyiwa neSADC neAfrican Union.

Nyanzvi munyaya dzezve matoingerwo enyika dzinoti dzinowirirana nedanho ratorwa rekusiya vanyori vemapazi ehurumende vakadomwa naVaMugabe, sezvo vanhu ava vari vanhu vane hunyanzvi mumabasa anoitwa nemapazi avanomirira.

Pasi pemutemo wePublic Service Act, sangano re Public Service Commission ndiro rinovheta vanenge vachida kuitwa vanyori vemapazi ehurumende, rozoudza mutungamiri wenyika vanhu vanokodzera kupihwa basa iri.

VaPedzisayi Ruhanya vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika uye vari kuita zvidzidzo zvepamusoro paUniversity of Minnessota.

VaRuhanya vanoti kudomwa kwevanyori vemapazi ehurumende hakufanire kupinzwa zvematongerwo enyika mukati.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG