Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Zvinoreva Gakava paNyaya Mbiri Dzasara muHurumende Itsa


Kunyange hazvo pawiriranwa zvimwe zvezvinhu zvanga zvichionekwa sezviri kunonotsa kufamba kwemavhiri ehurumende yemubatanidzwa, kune vamwe vanoona sekunge zvasarira zvisati zvagadziriswa zvinoti nyaya yagavhuna webhanga guru renyika, pamwe nemuchuchisi mukuru wehurumende, ndizvo zvifanirwa kunge zvakatanga kugadziriswa nokuti zvinobata mashandiro ehurumende.

Gakava iri rakaiswa neMDC mumaoko esangano re SADC, kuitira kuti igadzirise zvasara izvi.

Danho rakatorwa neMDC iri rinoonekwawo nevamwe sechinhu chikuru chaita kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vabvume zvimwe zvezvinhu zviri kudiwa nebato iri.

Jonga Kandemiiri weStudio 7 aita hurukuro nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, pamwe nevanoongorora zvematongerwo enyika, uye vari National Director weNCA, VaEnerst Mudzengi, avo vanoti gakava panyaya yagavhuna webhanga guru renyika, pamwe nemuchuchisi mukuru wehurumende, rinofanirwa kugadziriswa nechimbichimbi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG