Accessibility links

Breaking News

ZIMRA Inobata Mbatya dzeNCA  Dziri Kubva kuSouth Africa


Sangano rinorwira kuti munyika muve nebumbiro remitemo yenyika idzva, reNCA, rinoti ranonoka kuendesa kuvanhu chirongwa charo che “Take Charge,” chekudzidzisa vanhu pamusoro pekodzero dzavo pakuumbwa kwebumbiro remitemo idzva, sezvo bazi reZIMRA rakatora ma T-shirt ari kuda kushandiswa neNCA muchirongwa ichi.

NCA inoti svondo rapera ZIMRA yakatora ma T-shirt anosvika zviuru makumi mashanu akanga achida kupinzwa munyika nesangano iri kubva kumahofisi aro ekuSouth Africa.

ZIMRA inonzi iri kuda mari yemutero inosvika R900 000 kuti ibvumidze mbatya idzi kupinzwa munyika.

VaMadock Chivasa ndivo mutauriri weNCA. VaChivasa vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti vanozviziva kuti aya mabasa ehurumende ekuda kuvasvibisa mwoyo muhurongwa hwavo hwekurwisa kuti bumbiro remitemo yenyika ribve muvanhu.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG