Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yopemha Mari Sezvo Zvinhu Zvashatisisa


Hurumende yatarisana nenguva yakaoma uye yave kuyedza kuita zvose zvingadiwe kuti ikwanise kubatsirwa nevekunze avo varamba vakasunga homwe dzavo.

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakatozivisa kuti nyika haina mari ukuwo gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vakatiwo hurumende ikasawana mari inogona kuguma yaenda kumawere. Hurumende inoti yakwanisa kuwana US$35 million pamari inopfuura US$2 billion yavari kuda.

Mumiriri weSweden muZimbabwe, VaStern Rylander, vanoti hurumende iri kutotaura nenyika yavo kuti zvirango zvakatemerwa vakuru vehurumende yaVaMugabe neEU zvibviswe.

Sweden ndiyo ichange yotungamira EU muna Chikunguru. VaBiti vanotiwo vakadana nyanzvi dze IMF nedze Africa Development Bank kuti dzivabatsire kugadzirisa zvinoda kuitwa kuti nyika iwane mari.

Sangano reWorld Bank, Germany nedzimwe nyika, vari kupa vanhu vemuZimbabwe mari, asi mari iyi haisi kuenda nekuhurumende sezvo hurumende isingavimbisike panyaya dzemari.

Izvi zvinotevera kusashandiswa mari zvakanaka nagavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono. Nyika idzi dziri kuti Zimbabwe ngaidzorewo zvikwereti zvaiinazvo zvinopfuura mabhiriyoni mashanu emadhora ekuAmerica, kuitira kuti itange kukwereteswa patsva.

VaProsper Chitambara inyanzvi munyaya dzezve hupfumi, uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe.

VaChitambara vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti hurumende inofanira kushandura maitiro kuti iwane mari.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG