Accessibility links

Breaking News

Magweta Anoratidzira muHarare


Sangano remagweta reLaw Society of Zimbabwe raronga kuratidzira kwabudirira neChipiri muHarare. Magwera anodarika makumi matanhatu apinda mukuratidzira uku akasiya apa zvichemo zvavo kumahofisi ebazi rezvemitemo.

Kunyange hazvo kuratidzira uku kwanga kwarambidzwa nemapurisa, magweta aya aisa zvipikiri munzeve, akaenderera mberi nekuratidzira. Hapana asungwa kana kurohwa nemapurisa mukuratidzira uku sezvinogara zvakaitika mazuva ose.

Magweta aya anoti aratidzira senzira yekuudza hurumende kuti haasi kufara nemabatirwo avari kuitwa nemapurisa.

Vanga vachitungamira hurongwa hwekuratidzira uhu, Va Chris Mhike, vanoti hurongwa hweChipiri hwekuratidzira hwakarongwa mushure mekusungwa kwegweta rinorwira kodzero revanhu, VaAlec Muchadehama, avo vakasungwa neChina svondo rapera vakazoburitswa muhusungwa neChishanu mushure mekunge vapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

VaMuchadehama vakasungwa vari kumatare edzimhosva vachida kumirira vanhu vaive nenyaya dzaipinda mumatare musi uyu. Gweta iri riri kupomerwa mhosva yekukonzeresa kubhdharwa kwemari yechibatiso zvisiri pamutemo kuvanhu vatatu, vaviri vari nhengo dze MDC, VaGhandi Mudzingwa naVaKisimusi Dlamini, pamwe nemutori wenhau dzemifananidzo, VaAnderson Shadreck Manyere. VaMuchadehama vari kuramba mhosva yavari kupomerwa.

Kusungwa kwaVaMuchadehama kwakashorwa zvikuru nemasangano akawanda epasi rose.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG