Accessibility links

Breaking News

Zanu PF neMDC Inotungamirwa naVaMutambara Dzinoshora MDC-T


Zanu-PF ichitsigirwa neMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, inoti danho ratorwa neMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rekuenda kuSADC neAfrican Union kuti dzipindire panyaya dziri kunetsa hurumende yemubatanidzwa, kukurumidza kumedza kutsenga ichada.

Izvi zvinotevera mashoko eMDC ekuti yava kukwidza nyaya iyi kuSADC neAU Nyaya dzinonzi dzanetsa pakati pemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, inyaya dzemagavhuna ematunhu, vamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika, vanyori vemapazi ehurumende, muchuchusi mukuru wehurumende, gavhuna webhanga guru renyika, pamwe nekutoreswa mhiko kwaVaRoy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima.

Gurukota rezvekufambiswa kwezvinhu, VaNicholas Goche, vaudza bepanhau reHerald kuti hapasati paita mangange mukutaurirana, nekudaro kuenda kuSADC kwaitwa neMDC kukurumidzira zvinhu.

Kunyange hazvo MDC iri kuti yatotura nyaya iyi kuSADC neAU, munyori mukuru weSADC, VaTomaz Salamao, vanoti havasati vatambira tsamba iyi kubva kuMDC.

Studio7 yatadza kubata veZanu-PF kuti vajekese zvavari kupikisa padanho ratorwa neMDC inotungamirwa naVaTsvangirai.

VaEdwin Mushoriwa ndivo mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMutambara. VaMushoriwa vanoti vanobvuma kuti nyaya dzanonoka kupera asi vakuru vatatu vari munhaurirano vanofanira kutenda kuti vakundikana.

VaNelson Chamisa ndivo mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai. VaChamisa vanoti havasi kuzodzokera shure padanho ravatora.

VaDewa Mavhinga vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika uye vari gweta. VaMavhinga vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti mabasa aVaMugabe ndiwo ari kukanganisa hurumende yemubatanidzwa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7....


XS
SM
MD
LG