Accessibility links

Breaking News

VaMuchadehama Vanoburitswa Muhusungwa


Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaAlec Muchadehama, vaburitswa muhusungwa mushure mekubvisiswa mari yechibatiso inoita zana remadhora ekuAmerica.

VaMuchadehama vaudzwawo nedare kuti vagare pamba yavo uye kupota vachizviisa kumapurisa neChishanu chega chega kudzamara nyaya dzavari kupomerwa dzapera kutongwa.

Gweta iri rakasungwa neChina apo rakange raenda kumatare edzimhosva kunomirira vanhu vane nyaya dzaipinda mudare musi uyu.

VaMuchadehama vari kupomerwa mhosva yekukonzeresa kuburitswa muhusungwa kwevanhu vatatu, mutori wenhau dzemifananidzo, Anderson Shandreck Manyere, pamwe nenhengo mbiri dzeMDC, VaGhandi Mudzingwa naVaKisimusi Dlamini.

Hurumende iri kuti VaMuchadehama vakaita kuti vatatu ava vabvisirwe mari yechibatiso kuitira kuti vaburitswe muhusungwa zvisineyi kuti hurumende yakanga yazivisa kuti iri kuda kupikisa mutongo wekuti vatatu ava vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Asi VaMuchadehama vari kuramba mhosva yavari kupomerwa.

Sangano remagweta re Law Society of Zimbabwe rinoti harisi kufara nemabatirwo ari kuitwa magweta nehurumende. Sangano iri rashora zvikuru kusungwa kwaVaMuchadehama, richiti maitiro akadai anoratidza kuti hurumende hairemekedzi kodzero dzevanhu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG