Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti VaMugabe Havasi Muchokwadi


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri waVaTsvangirai, VaArthur Mutambara, vatadza zvakare kuwirirana panyaya dziri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa.

Vatatu ava vange vachitarisirwa kuudza nyika zvinenge zvabuda muhurukuro dzavo, asi hapana chakabuda sezvange zvakatarisirwa neChihanu.

Vanoziva nezviri kuitika vaudza Studio7 kuti vatatu ava vaenderera mberi vachikurukura nyaya dziri kunetsa dzinenge yagavhuna vebhanga guru renyika, VaGideon Gono, uye gweta guru rehurumende, VaJohannes Tomana.

Asi VaMugabe vanonzi vachiri vakatsika madziro kuti vaviri ava havana kwavari kuenda. Vamwe vari muhurukuro idzi vanoti nyaya dzawiriranwa inyaya dzemagavhuna, vanyori mumapazi ehurumende, uye vamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika. Asi hapana zvati zvanyatsonyoreranwa pasi.

Munyori mukuru muMDC, VaTendai Biti, vaudzawo Studio7 kuti hapana chavati vanzwa kuti chawiriranwa.

Vati kusapera kwenyaya idzi kuri kukanganisa nyika kuwana mari yerubatsiro. Ukuwo bhanga reAfrican Development Bank rinoti richapa Zimbabwe mari yekubatsira hurumende kana ichinge yatanga kugadzirisa zvose zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa.

VaEarnest Mudzengi vanoongorora nyaya dzezve matongerwo enyika, uye vari National Director weNCA. VaMudzengi vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti VaMugabe havana kuzvipira munhaurirano idzi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG