Sangano reZimbabwe Cricket
rinoti riri kufadzwa nechikumbiro chapihwa nesangano re International Cricket Council, iro rakoka chikwata cheZimbabwe
kuti chitambe mumakwikwi e2009-10
Continental Cup.
Makwikwi aya achange ane zvikwata zveku Ireland, Scotland, Canada, Kenya, pamwe neNetherlands.
Muzvare Shingai Rhuhwaya ndivo vanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reZimbabwe Cricket.
Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naMuzvare Rhuhwaya kuti tinzwe nezvemakwikwi aya.