Accessibility links

Breaking News

Mitero yeMidziyo Mitsva Yobviswa neHurumende


Chief Executive Officer veZimbabwe Tourism Authority, VaKarikoga Kaseke, vanoti vari kufadzwa nedanho ratorwa nehurumende rekumisa kubhadharwa kwemitero pamidziyo inoshandiswa mumabhizimisi ane chekuita nekushanya kwevanhu munyika.

VaKaseke vanoti danho iri richabatsira mukugadzirisa nzvimbo idzo dzange dzaita matongo, uye kuvaka dzimwe nzvimbo itsva dzemabhizinesi avekushanya kwevanhu munyika.

Zimbabwe iri kuedza kukwezva vashanyi vekunze vakatarisirwa kuenda kumakwikwi eWorld Cup 2010, ayo ari kuitirwa kuSouth Africa.

Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naVaKaseke kuti tinzwe zvinoreva nekubviswa kwemitero kuzvinhu zvitsva zvinoshandiswa mukuvandudza hupfumi munyaya dzekushanyirwa kwenyika


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG