Accessibility links

Breaking News

Monomotapa Yokweshana ne Etoile Du Sahel Muna Chikunguru


Chikwata cheMonomotapa chinoti chatotanga kugadzirira mitambo yacho yekupedzisira mumakwikwi eCAF African Champions League. Makwikwi aya ane zvikwata zvisere izvo zvichatamba zviri muzvikamu zviviri zvinenge zviine zvikwata zvina.

Monomotapa ichatamba muGroup B nechikwata cheEtoile du sahel chekuTunisia mumutambo wekutanga muna Chinguru muHarare. Zvimwe zvikwata zvichatamba neMonomotapa zvinosanganisira Heartland yeku Nigeria ne TP Mazembe yeku Democratic Republic Of congo.

Mu Group A mune zvikwata zviviri zveku Sudan, El Merrik ne Al Hilal, kotiwo Zesco United yeku Zambia uye Kanu Pillars yeku Nigeria.

Kutarwa kwemitambo yezvikwata izvi kwakaitwa ne CAF kuEgypt neChitatu. Murairidzi weMonomotapa, VaRodwell Dhlakama, vaudza Marvellous Mhlanga Nyahuye, kuti vari kutarisira kuti chikwata chavo chichatamba zvakanaka pamitambo iyi.


Dzimwe Nhau Kubva kustudio7...

XS
SM
MD
LG