Accessibility links

Breaking News

MDC Inotarira  Vatungamiri Vehurumende Nguva Yekuti Vagadzirise Zvinetswa


Bato reMDC rapa vatungamiriri vezvamatongerwo enyika vari muhurumende kusvika musi weMuvhuro svondo rinouya kuti vapedze nyaya dzese dziri kutadzisa kuti hurumende ifambire mberi zvakanaka.

Vatungamiri ava, mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende VaMorgan Tsvangirai nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende VaArthur Mutambara vari kutarisirwa kusangana neMuvhuro kuti vakurukure zvinetswa izvi.

Vatatu ava vasangana kanopfuura katanhatu pasina chabuda. Mutori wedu wenhau Irwin Chifera atipa nyaya iyi.

Tichiri panyaya iyi Jonga Kandemiiri weStudio 7 abatawo nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaFarai Maguwu vanotungamira sangano reCentre for Research and Development avo vati havaoni danho ratorwa neMDC iri richiita kuti VaMugabe vatsukunyuke.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG