Accessibility links

Breaking News

ZESN Inoti Mitemo yeSarudzo Ngaivandudzwe


Masangano akazvimirira anoongorora sarudzo anoti reZimbabwe Election Support Network, ZESN, pamwe neElectoral Institute of Southern Africa, EISA, anoti mitemo yesarudzo munyika inofanirwa kuvandudzwa kuitira kuti zvinhu zviitwe nenzira yakachena.

Masangano aya anotiwo munyika munofanirwa kuva nehurongwa hwesarudzo hunopa mukana wakakura kuvanhukadzi pamwe nemamwe mapoka madiki mukufambiswa kwesarudzo.

Masangano maviri aya neMuvhuro akaburitsa gwaro rezvaanoti zvinoda kugadziriswa mumitemo yesarudzo kuitira kuti pasawane anopokana nemafambisirwo esarudzo.

VaTinoziva Bere ndivo sachigaro weZESN.

VaBere vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti mauto nemapurisa vanofanirwa kudzidziswa nezvekuita mabasa avo nehunyanzvi, kuitira kuti vasatora divi munguva dzesarudzo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG