Accessibility links

Breaking News

VaMatombo Vanoyambira Hurumende paNyaya yeMihoro


Sangano rinomirira vashandi re Zimbabwe Congress of Trade Unions, kana kutiZCTU, rinoti vashandi vacharatidzira kana vasina kupihwa mari yavari kuda.

Mutungamiri wesangano iri, Va Lovemore Matombo, vataura mashoko aya pamhemberero dzezuva revashandi dzaitirwa ku Gwanzura Stadium neChishanu muHarare. VaMatombo vaudza vashandi kuti sangano ravo riri kuda kuti vashandi vatambiriswe mari inoita mazana mana ane makumi mashanu nemana emadhora ekuAmerica pamwedzi, kuitira kuti vararame zvakanaka.

VaMatombo vatiwo musangano wevashandi, vashandirwi pamwe nehurumende, we Tripartite Negotiating Forum, TNF, uyo wakatarisirwa kuitwa munguva pfupi iri kutevera, ukasaburitsa zvavakatarisira, vashandi vachapinda mumigwagwa vachiratidzira kusafara nemari dzavari kutambiriswa.

Vachitaurawo pagungano remuGwanzura, iro ranga riine vanhu vanosvika zviuru zvishanu, gurukota rinoona nezvevashandi, Amai Paurina Mpariwa Gwanyanya, vati bazi ravo richaedza pose parinogona napo kugadzirisa nhuna dzevashandi kuburikidza nemusangano we TNF

Asi mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, avo vakambove munyori mukuru we ZCTU vasati vasarudzwa kuva mutungamiri weMDC, vati hurumende haian mari pari zvino. Va Tsvangirai vakumbira vashandi kuti vambopa hurumende mukana sezvo vachiti hurumende yemubatanidzwa ichambopemha kumadzisahwira ayo matsva kuti nyika iyambuke kubva muna taisireva mairi.

Zvichakadai, ZCTU yatsigira sangano rinorwira bumbiro idzva remitemo yenyika, re National Constitutional Assembly, ichiti bumbiro idzva remitemo yenyika, rinofanirwa kunyorwa nezvizvarwa zveZimbabwe zvose, kwete kuti basa iri ritungamirirwe nedare reparamende.

VaTsvangirai vati panofanira kutsvagwa nzira dzinoita kuti bumbiro iri rinyorwe neveruzhinji, uye risazorambwa parichavhoterwa mureferendamu kuitira kuti rizoendeswa kudare reparamende uko richanovhoterwa kuva mutemo wenyika.

VaMatombo vati pamusoro pekuwedzerwa kwemari inotambirwa nevashandi, vashandi vari kuda kuti vakwanise kuwana mshonga inoderedza hukasha hwechirwere cheshuramatongo, kana kuti ARVs, pamwe nekuti vapepeti vemapepanhau ehurmende pamwe nenhepfebyuro yeZBC, vachinjwe sezvo vasiri kuita mabasa avo nemazvo. Vati vapepeti ava vari kuramba vachitsoropodza mamwe mapoka ezvematongerwo enyika, izvo vati zvinhu zvisingafanirwe kuitwa.

Vamwe vanga vari pamhemberero idzi vanosanganisira mutevedzeri wegurukota rinoona nezvevashandi, Amai Tracy Mutinhiri, mutungamiri wesangano reMavambo, VaSimba Makoni, makurukota ehurumende, vatevedzeri vavo pamwe nevemasangano anoshanda akazvimirira.

ZCTU inonziwo yaitawo mimwe misangano munzvimbo dzakaita se Bulawayo, Victorial Falls , Hwange, Gweru, Masvingo, Mutare, Bindura, Chinhoyi nedzimwe nzvimbo.

Rimwe sangano revashandi re Zimbabwe Federation of Trade Unions, raitawo hurongwa hwaro ku City Sports Centre, uko kunonzi kwanga kusina vanhu vakawanda.

Nyanzvi munyaya dzemitemo yevashandi, uye vari mudzidzisi pa University of Zimbabwe, Va Munyaradzi Gwisai, vanoti kunyange hazvo hurumende yaratidza kubatana ne ZCTU, gore rino kuchaita kusawirirana kwakawanda pamusoro penyanya yemihoro yevashandi.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaGwisai kuti tinzwe mafungiro avo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG