Accessibility links

Breaking News

Vashandi Voronga Kuramwa Mabasa Vakasa Pihwa Mihori Inokwana


Sangano rinomirira vashandi re Zimbabwe Congress of Trade Unions, kana kutiZCTU, rinoti vashandi vacharatidzira kana vasina kupihwa mari yavari kuda.

Mutungamiri wesangano iri, vaLovemore Matombo, vataura mashoko aya pamhemberero dzezuva revashandi dzaitirwa ku Gwanzura stadium muHarare.

Mutori wedu wenhau Thomas Chiripasi, anotipa nyaya inotevera.

ZCTU inonziwo yaitawo misangano munzvimbo dzakaita se Bulawayo, Victorial Falls , Hwange, Gweru, Masvingo, Mutare, Bindura Chinhoyi nedzimwe nzvimbo.

Rimwe sangano revashandi re zimbabwe federation of trade unions, raitawo hurongwa hwaro ku city sports centre, uko kunonzi kwanga kusina vanhu vakawanda.

Nyanzvi munyaya dzemitemo yevashandi, uye vari mudzidzisi pa University of Zimbabwe, va Munyaradzi Gwisai, vanoti kunyange hazvo hurumende yaratidza kubatana ne ZCTU, gore rino kuchaita kusawirirana kwakawanda pamusoro penyanya yemihoro yevashandi.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVa Gwisai kuti tinzwe mafungiro avo.

XS
SM
MD
LG