Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanoti Vafadzwa neZvavawana Kunze kweNyika


Gurukota rinoona nezvemari, VaTendai Biti, vapedza rwendo rwavo neChina rwekutsvagira hurumende yemubatanidzwa rubatsiro rwemari kunzwe kwenyika.

VaBiti vakasvika muLondon neChitatu mushure mekushanya kuAmerica, uko vakaita misangano yakati wandeyi nemasangano eInternational Monetary Fund neWorld Bank, pamwe nevakuru vakuru muhurumende yaVaBarack Obama.

Mukushanya kwavo kuBritain, VaBiti vakaitawo misangano nevakuru vakuru vehurumende yenyika, avo vanosanganisira gurukota rinoona nezvekunze kweBritain, Va David Miliband, pamwe naVaMalloch Brown.

Zimbabwe inoda mari inoita US$8,3 billion yekuvandudza hupfumi hwenyika. VaBiti vanoti Zimbabwe inoda mari inoita US$45billion yekushandisa kwemakore mashanu mukusimudzira hupfumi hwenyika.

VaBiti vanoti vakagutsikana zvikuru nemisangano yavakaita apo vaipemhera nyika mari. Brenda Moyo weStudio7 aita hurukuro naVaBiti kuti tinzwe mafambiro aita hurongwa hwavo hwekutsvaga mari yekubatsira hurumende yemubatanidzwa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG