Accessibility links

Breaking News

Kusawirirana Pakati paVaTsvangirai naVaMugabe Konetsa Vazhinji


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vari kutarisirwa kuita musangano wechitanhatu neMuvhuro.

Musangano uyu ndewekuyedza kugadzirisa kusawirirana kwevatatu ava panyaya dzemagavhuna ematunhu enyika, gavhuna webhanga guru renyika, muchuchusi mukuru, vanyori vemapazi ehurumnde, vamiri veZimbabwe kune dzimwe nyika, pamwe nenyaya yevasungwa vezvematongerwo enyika.

Imwe nyaya iri kunetsa ndeyekuramba kwaVaMugabe kutoreswa mhiko, VaRoy Bennett, semutevedzeri wegurukota rezvekurima, uye kutorerwa mamwe masimba kwakaitwa bazi rinotungamirwa nemutauriri weMDC, VaNelson Chamisa.

VaMugabe vanonzi vari kutsika madziro pakugadzirisa nyaya dziri kunzi naVaTsvangirai naVaMugabe dzigadziriswe, kuitira kuti hurumende yemubatanidzwa ionekwe seine chiremera. VaMugabe vanonzi vari kupisa musoro panyaya yeminda iyo iri kuramba ichipambwa nevatsigiri veZanu PF.

Kunyange hazvo VaTsvangirai vakabuda vachitaura kuti vari kushanda zvakanaka naVaMugabe, kusapedzwa kwenyaya dziri kunetsa idzi naVaMugabe, kunoratidza kuti vaviri ava havasi kuwirirana zvachose.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti kusawirirana pakati paVaMugabe naVaTsvangirai, kunoburitsa pachena kuti VaMugabe ndivo vane masimba akawandisa, izvo zviri kupa kuti vaite zvinhu zviri kunze kwechibvumirano chavakanyorerana musi wa 15 Gunyana gore rapera.

Mukuzeya makakatanwa ari pakati pevarume ava, Blessing Zulu weStudio7 abata vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaGlen Mpani, avo vanova Regional Co-ordinator musangano reCentre for the Study of Violence and Reconciliation muCape Town South Africa, pamwe negweta rine mukurumbira, VaChris Mhike, kuti tinzwe mafungiro avo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG