Accessibility links

Breaking News

Vakashungurudzwa Voudzwa Kunoona Mapurisa neMadzishe


Bazi rezvemukati menyika rinoti riri kukurudzira vanhu vane zvinyunyuto kuburikidza nemhirizhonga yakaitika gore rapera, kuti vamhang’are kushungurudzwa kwavakaitwa kumapurisa, madzishe, makanzura kana masabhuku mumatunhu avo.

Hurumende inoti kutevedzera gwara iri ndiko chete kunopa kuti vanhu vasadzosere kurwadziswa kwavakaitwa, izvo zvinozokonzera mhirizhonga muvanhu. Bazi iri rinotiwo mapurisa achabudawo negwaro rine nhoroondo dzakaitika munyika yose munguva yemhirizhonga.

Zvinonzi kubva pakatanga kushanda hurumende yemubatanidzwa musi wa13 Kukadzi, vanhu vakawanda vakashungurudzwa vava kuenda kumapurisa vachinomhang’ara nyaya dzavo, vaine tarisiro yekuti vakavashungurudza vamiswe pamberi pematare edzimhosva.

Vanhu vakawanda vakapondwa, vamwe vakashungurudzwa pamwe nekuparadzirwa misha yavo nevanhu vavanoziva munguva yedzokororo yesarudzo yemutungamiri wenyika, kana kuti presidential election runoff.

Vanhu vakapara mhosva idzi vanonzi havana zvavari kuitwa. Rimwe remakurukota ezvemukati menyika, VaGiles Mutsekwa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti mapurisa achaferefeta nyaya dzose zvisina kutarisa divi rezvematongerwo enyika.

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu, reRestoration of HumanRights Zimbabwe, rinotiwo rinotambira hurongwa hwebazi rezvemukati menyika uhu.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano iri, VaEdgar Chikuvire, vaudza Studio7 kuti chikuru chinofanirwa kutanga kuitwa, kudzidziswa patsva kwemapurisa nyaya dzekodzero dzevanhu.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG