Accessibility links

Breaking News

Human Rights Watch Inoti Zimbabwe Ngainyimwe Rubatsiro


Sangano reHuman Rights Watch rinoti vanopa rubatsiro pasi rose vanofanirwa kumbomira kubatsira Zimbabwe, kusvikira hurumende yemubatanidzwa yamisa kutyorwa kwekodzero dzevanhu kuri kuitika munyika.

Asi sangano iri rinoti rinokurudzira kuti rubatsiro rwakanangana nevanoshupika rwurambe ruchipihwa vanhu vanoshupika, asi hurumende isingabati rubatsirwo urwu. Sangano iri rinoti mapurisa ari kuramba achisunga vanhu, pamwe nekuvatyisidzira.

Ratiwo vatsigiri veZanu PF vari kuramba vachipamba minda, pamwe nekukonzera mhirizhonga mumapurazi aya.

Human Rights Watch inotiwo mapurisa akavhiringidza kuratidzira kwaive murunyararo kwevadzidzi vepaMasvingo State University, akasunga vadzidzi vanosvika makumi maviri nevatatu.

Sangano iri rinotiwo harisi kufara nekusungwa kwenhengo dzeMDC, VaGhandi Mudzingwa, naVaKisimusi Dhlamini, mushure mekunge vaburitswa muhusungwa nedare redzimhosva.

Human Rights Watch inoti zviri kuitika muZimbabwe zvinoratidza kuti hurumende yakafanobata matomu, iri kutadza kutevedza mitemo yenyika, izvo zviri kukonzera kutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Sangano iri raparura pfungwa idzi muLondon apo gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vasvika muBritain kuzopemha mari yekubatsira hurumende yemubatanidzwa.

VaBiti vasvika muLondon vachibva kuAmerica uko vakanga vachipemhera nyika mari kumusangano wepagore weInternational Monetary Fund neWorld Bank.

VaDhewa Mavhinga, avo vanoshanda sechipangamazano musangano reHuman Rights Watch Africa Division, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti vanhu vasafuririka nehurumende iripo sezvo veZanu PF vachiri ivo vane masimba ekutonga.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG