Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yovimbiswa US$400 Million neNyika Dziri muAfrica


Gurukota rinoona nezvemaindasitiri pamwe nekutengeserana, VaWelshman Ncube, vanoti nyika dzemu Africa dziri kuzopa Zimbabwe mari yechikwereti inoita US$400 million, iyo ichashandiswa mukusimudzira makambani ari munyika.

VaNcube vanoti mari inoita mamiriyoni mazana maviri emadhora ek America, iri kubva munyika dzemu SADC, uye imwe inoita mazana maviri emamiriyoni emadhora eku America, ichabva kusangano reCOMESA.

Panyika dzemu SADC, Botswana yakati ichapa Zimbabwe mamiriyoni makumi manomwe emadhora eku America, ukuwo South Africa ikati ichabatsira Zimbabwe nemari ionita mamiriyoni makumi masere emadhora eku America. Asi VaNcube havasi kutaura kuti inyika dzipi dzati dzichabatsira Zimbabwe nemari iyi.

Vachitaura nevatori venhau, VaNcube vati mari iyi ichatanga kupinda munyika mumasvondo mashoma ari kutevera. Zimbabwe inoda mari inoita mabhiriyoni gumi emadhora eku America yekugadzirisa hupfumi hwenyika.

Brenda Moyo weStudio7 aita hurukuro nenyanzvi munyaya dzehupfumi, Doctor Godfrey Kanyenze, kuti tinzwe pfungwa dzavo pakupemha mari kuri kuitwa nenyika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7....


XS
SM
MD
LG