Accessibility links

Breaking News

Nhaurirano Pakati paVaMugabe naVaTsvangirai Dzorova Mudhuri


Nhaurirano pakati pemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai pamwe nemutevedzeri waVaTsvangirai, VaArthur Mutambara, dzinenge dzarova mudhuri zvekuti dzinogona kuzoguma dzoendeswa kumutongi gava, VaThabo Mbeki, SADC uye kuAfrican Union.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti pamisangano mishanu yaitwa kusvika pari zvino, hapana chisvunu chabuda.

VaMugabe vanonzi vari kutsika madziro panyaya yagavhuna weRBZ, VaGideon Gono, uye muchuchusi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, vachiti vakanyora havo chibvumirano chekudoma vanhu ava vachibvumirana nevamwe asi vakaita zvekumanikidzwa naVaMbeki.

Zvinonzi VaMugabe vari kubvuma kuti vakakanganisa pakudoma magavhuna pamwe nevanyori vemapazi ehurumende, asi vari kuti kana VaTsvangirai vachida kuti magavhuna aya abviswe, hurumende inofanirwa kuvapa mari dzavo dzekusiiswa basa nguva yavo isati yakwana.

Asi VaTsvangirai vanonzi vari kuti VaMugabe ndivo vanofanirwa kugadzirisa nyaya iyi sezvo vari ivo vakadoma vanhu ava zvisiri pachibvumirano.

Zvinonziwwo VaMugabe vari kuti havana dambudziko nekudzorera VaNelson Chamisa masimba avo uye kutoresa VaRoy Bennett mhiko semutevedzeri wegurukota rezvekurima.

Kunyange hazvo zvinhu zvakamira zvakadai, gurukota muhofisi yaVaTsvangirai, VaGorden Moyo, vanoti zvakawanda zvapera kugadziriswa, chasara chete inyaya yagavhuna webhanga guru renyika, pamwe neyemuchuchusi mukuru wehurumende.

VaCharles Mangongera vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaCharles Mangongera vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti VaMugabe havangabvumi kubvisa VaGono naVaTomana pazvigaro sezvo mahofisi aya akavakoshera.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG