Accessibility links

Breaking News

Makakatanwa Pakati paVaMugabe naVaTsvangirai Oenderera Mberi


Vatungamiri vemapato matatu ezvematongerwo enyika akaumba hurumende yemubatanidzwa, vasangana zvakare muHarare neMuvhuro kuti vaedze kugadzirisa makakatanwa achiri akasarira pachibvumirano chekuumba hurumende yemubatanidzwa, asi zvinonzi hapana chabuda mumusangano uyu.

Zvinonzi VaMugabe naVaTsvangirai ndivo vatanga kusangana, vachizoteverwa nemutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, VaArthur Mutambara.

Nyaya dzinonzi dzichiri kunetsa dzinosanganisira kudomwa kwemagavhuna, vamiriri venyika kune dzimwe nyika, kutoreswa mhiko kwaVaRoy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima, uye kutorerwa mamwe masimba kwakaitwa bazi rinotungamirwa nemutauriri weMDC, VaNelson Chamisa.

Svondo rapera, vatungamiri ava vakasangana zvakare kanokwana katatu, asi hapana chavakawirirana. Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo eyika dzinoti gakava pakati paVaTsvangirai naVaMugabe, riri kuvhiringa kufambira mberi kwehurumende yemubatanidzwa.

VaPhillip Pasirayi vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reCentre for Community Development

VaPasirayi vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti havaoni misangano yose iri kuitwa iyi ichiburitsa chimuko sezvo VaMugabe vachizivikanwa nekuomesa musoro uye kuda kuita zvehumbimbindoga.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG