Accessibility links

Breaking News

VaBiti Votarisira Rubatsiro Kubva kuIMF neWorld Bank


Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vari mu Washington DC umo vari kumisangano yepagore ye IMF neWorld Bank. Misangano iyi inopindwa nemakurukota ezvemari pasi rose, pamwe nenyanzvi munyaya dzehupfumi.

VaBiti vanoti rwendo rwuno Zimbabwe ichawana rubatsiro kubva kuIMF neWorld Bank, sezvo hurumende yemubatanidzwa iri kuedza kugadzirisa zviri kunetsa munyika, izvo zvange zvichitadza kuitwa nehurumende yeZANU PF.

VaBiti vanoti vasanganawo nevakuru vakuru mubazi remu America rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, kana kuti State Department, vachivaudza mamiriro akaita zvinhu munyika.

Vatiwo muhurukuro dzavari kuita, vari kuudza vanhu chokwadi chezviri kuitika muZimbabwe, kuitira kuti nyika dzepasi rose dzizive chokwadi. VaBiti vati pachine zvinhu zvinofanirwa kugadziriswa, kuitira kuti hurumende yemubatanidzwa ishande zvakanaka.

America inoti kusangana naVaBiti hazvirevi kuti yavakugutsikana nezviri kuitika muhurumende yemubatanidzwa. Yatiwo zvirango zvakatemera mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, zvicharamba zviripo kudzimara VaMugabe vava kuremekedza kodzero dzevanhu pamwe nemitemo yenyika.

Brenda Moyo weStudio7 aita hurukuro naVaBiti kuti tinzwe zvavafambira.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7....


XS
SM
MD
LG