Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Haisi Kufara neMaitiro aVaMugabe


Bato reMDC rinoti harisi kufara zvachose nekuti vakuru vatatu vemapato eZanu-PF neMDC vari muhurumende yemubatanidzwa vari kutadza kugadzirisa matambudziko akatarisana nehurumende, izvo zviri kupa kuti munyika muve nehurumende isina kuti tsvikiti.

Bato iri rinoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, uye mutevedzeri wavo, VaArthur Mutambara, vakasangana katatu svondo rino, asi hapana chakabuda pamisangano yavakaita.

Nyaya dziri kuda kugadziriswa ndedze magavhuna ematunhu, gavhuna webhanga guru renyika, muchuchusi mukuru wehurumende, vanyori vemapazi ehurumende, kutoreswa mhiko kwaVaRoy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima, pamwe nekutorwa kwemapurazi evachena mashoma asara.

MDC inoti zvose zvisati zvagadziriswa zvinofanirwa kugadziriswa kuitira kuti hurumende iripo ive nechiremera.

VaNelson Chamisa ndivo mutauriri weMDC. VaChamisa vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti vafuratidzwa moyo nemabasa eZanu-PF.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG