Accessibility links

Breaking News

VaZuma Votarisirwa Kugadzwa seMutungamiri weSouth Africa weChina


Zviri kubuda musarudzo dzakaitwa neChitatu kuSouth Africa dzekutsvaga vamiriri veparamende, zvinoratidza kuti bato riri kutonga reANC, ndiro riri kutungamira pamavhoti averengwa kusvika pari zvino.

Kubva pamavhoti anosvika zvikamu makumi matu kubva muzana averengwa, ANC yawana mavhoti anoita zvikamu makumi matanhatu nezvitanhatu kubva muzana, kana kuti 66%.

Bato reDemocratic Alliance ndiro riri kutevera riine mavhoti anosvika zvikamu gumi nezvitanhatu kubva muzana, kana kuti 16%. Bato riri mumashure ndere COPE iro rave nezvikamu zvisere kubva muzana, kana kuti 8% pamavhoti averengwa.

COPE yakabuda muANC mushure mekubviswa pachigaro kwevaimbove mutungamiri weSouth Africa, pamwe nebato reANC, VaThabo Mbeki gore rapera munaGunyana.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti pachine mutambo kuti ANC iwane zvigaro zvinoipa kuti ivandudze bumbiro remitemo yenyika iri yega, kunyange hazvo zviri pachena kuti ndiyo ichakunda musarudzo iyi.

Zviri kubuda musarudzo iyi zvikaramba zvakadaro, zvinenge zvoreva kuti mutungamiri weANC, VaJacob Zuma, ndivo vachasurudzwa nenhengo dzeparamende kuve mutungamiri mutsva weSouth Africa.

VaZuma vanenge votora basa ranga richiitwa naVaKgalema Motlanthe, avo vakatorawo basa iri kuna VaMbeki, zvichitevera kubviswa kwavo pachigaro nebato ravo reANC gore rapera. Zvave kutarisirwa neveruzhinji ndezve kuti VaZuma vachabata sei nyaya yeZimbabwe, sezvo vaimboshoropodza hutongi hwaVaMugabe pasati paumbwa hurumende yemubatanidzwa.

Zvimwe zviri kutarisirwa ndezvekuti VaZuma vangabatsira here kugadzirisa hukama hweZimbabwe nenyika dzekumawirira, kana kuti vachangoti ibasa reSADC?

Mukuzeya zvinoreva zviri kubuda musarudzo dzemuSouth Africa, Studio7 yaita hurukuro nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, pamwe negweta rinorwira kodzero dzevanhu pamwe nehutongi hwakanaka, VaOzias Tungwarara, mutungamiri weAfrica Governance Monitoring and Advocacy Project riri muJohannesburg, kuSouth Africa kuti tinzwe mafungiro evaviri ava.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG