Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoita Musangano neNCA


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vaita hurukuro neChitatu nevamiriri vesangano reNational Constitutional Assembly muHarare vakazeya kusawirirana kwavo pamafambisirwo ehurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.

VaTsvangirai vanonzi vakumbira NCA kuti ivape zvinyorwa zvinotsanangura mafungiro avo panyaya iyi, kuitira kuti hurumende nesangano iri, vatsvage nzira dzekupedza gakava riripo.

NCA inoti inoda kuti bumbiro idzva remitemo yenyika ribve muvanhu, uye hurongwa uhu hunge huchitungamiririrwa nevanhu vanenge vasiri nhengo dzedare reparamende.

Hurumende yakatoumba komiti ine nhengo dzeparamende makumi maviri neshanu ichange ichitungamira hurongwa hwekuumbwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika. Hurumende inoti ichakoka vose vanoda kubatsira mukuumbwa kwebumbiro remitemo yenyika kuitira kuti vaise pfungwa dzavo, izvo zviri kupikiswa neNCA, ichitsigirwa nemasangano akaita seZCTU, Zinasu nemamwe masangano.

Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naNational Director weNCA, VaEarnest Mudzengi, kuti tinzwe mafambiro aiita musangano wavo naVaTsvangirai.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG