Accessibility links

Breaking News

South Africa Inovhota Musarudzo dzeChina


Zvizvarwa zvemu South Africa zvavhota neChitatu musarudzo dzekutsvanga mutungamiri wenyika, pamwe nenhengo dzedare reparamende. Kuvhota uku kunotarisirwa kupera na 9pm.

Zviri kubuda mudzinhau zvinoratidza kuti vanhu vakawanda vari kuvhota vachisarudza pakati pevanhu vatatu vari kuda kutungamira nyika iyi, VaJacob Zuma, mutungamiri we ANC, Amai Helen Zille veDemocratic Alliance, pamwe na Bishop Mvume Dandala, vebato rakabuda muANC re Congress of the People Party, kana kuti COPE.

South Africa ine vanhu vanodarika mamiriyoni makumi maviri nematatu, kana kuti 23 million, vane kodzero yekuvhota. Darudzo iyi dzeyechina kubva South Africa yawana kuzvitonga muna 1994. Va Zuma ndivo vari kutarisirwa kukunda musarudzo iyi.

Brenda Moyo weStudio7 aita hurukuro na Reverend Nicholas Mukaronda vesangano re Solidarity Peace Trust, kuti tinzwe maonero avo pasarudzo dzemuSouth Africa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...



XS
SM
MD
LG