Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga Yonyanya kuMapurazi Ari Kubvutwa


Kushanya kwemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaArthur Mutambara, kumapurazi ekuChegutu svondo rapera, kunonzi kwatoita kuti varimi vachena vari munzvimbo iyi vaite sevakageza negokamunyama.

Vakuru muSADC vaudza Studio 7 kuti nyaya yemhirizhonga iyi ichavakanganisa zvikuru mukutsvagira Zimbabwe mari kubva kuhurumende dzekunze. Kutanga svondo rino, vakuru muSADC vanenge vachipemhera Zimbabwe mari kubva kuhurumende yeAmerica, IMF, World Bank uye nyika dziri muEuropean Union.

Vashandi vatatu kumapurazi akashanywa naVaMutambara vanonzi vakapfurwa nemapurisa mumakumbo vakakuvara zvakaipisisa. Mapurisa, mauto uye vechidiki veZanu-PF, vanonzi ndivo vari kushandiswa nevakuru veZanu-PF kukonzera mhirizhonga mumapurazi.

Hofisi yemuchuchusi mukuru wehurumende, inonziwo iri kupesvedzera mhirizhonga iyi. VaJohannes Tomana ndivo muchuchusi mukuru wehurumende. VaTomana vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti ivo vari kueydza kugadzirisa nyaya yemhirizhonga.

VaPedzisyai Ruhanya vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika uye vari kuita zvidzidzo zvepamusoro paMinnesota University. VaRuhanya vanoti mashoko aVaTomana haana nematuro ose.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG