Vatungamiri vemapato matatu ezvematongerwo enyika akaumba hurumende yemubatanidzwa, vasangana muHarare kuti vazeye misaridzirwa pazvibvumirano zvakaitwa pakuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa.
Mutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wavo, VaArthur Mutambara, avo vanotungamira chimwe chikwata cheMDC, vanonzi vakurukura nyaya dzaramba dziri mudariro kubva pakanyoreranwa chibvumirano muna Gunyana gore rapera.
Nyaya idzi dzinosanganisira dzemagavhuna, basa ragavhuna webhanga reRBZ, VaGideon Gono, kugadwa kwemuchuchusi mukuru, VaJohannes Tomana, kusarudzwa kwevanyori vemapazi ehurumende, kugadzwa kwaVaRoy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima, pamwe nevamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika.
Imwe nyaya inonzi yabatwa batwa ndeyekutorwa kwemapurazi uye kuramba VaMugabe voita sevari voga pakuita zvinhu vasina kuwirirana nevamwe vavo. Izvi zvinotevera kutorwa kwemamwe masimba kubva kubazi raVaNelson Chamisa, achipiwa bazi raVaNicholas Goche.
VaTsvangirai vanonzi vari kuda kuti nyaya idzi dzigadziriswe zvachose, kuitira kuti hurumende yemubatanidzwa ishande zvakanaka, uye mukuwirirana kwemapato ose.
Studio7 yakundikana kubata VaMugabe, VaTsvangirai, pamwe naVaMutambara kuti tinzwe mafambiro aita musangano uyu. Hatinawo kukwanisa kutaura nevatauriri vevakuru ava.
Asi nyanzvi munyaya yezvematongerwo enyika, Professor John Makumbe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti havaone paine kuwirirana munyaya dziri kunetsa dzose, asi kuti zvimwe zvidiki zvakaita senyaya dzemagavhuna zvinogona kugadziriswa.
Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...