Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voramba Kutaura naVaTsvangirai Nyaya Dziri Kunetsa  muHurumende


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neChina vakaramba kutaura nyaya dziri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa mumusangano wevakuru vakuru vatanhatu waitwa weExecutive Committee.

Vatanhatu ava ndiVaMugabe nevatevedzeri vavo vaviri, VaJoseph Msika naAmai Joice Mujuru, uye VaTsvangirai nevatevedzeri vavo vaviri, Muzvare Thokozane Khupe naVaArthur Mutambara.

Musangano weExecutive Committee uyu wazoguma wongotaurawo dzimwe nyaya dzekuti vatanhatu ava voshanda sei mushure mekunge VaMugabe vati ivo pachavo, VaTsvangirai pamwe naVaMutambara ndivo chete vangagadzirisa nyaya dziri kunetsa.

VaMugabe vanonzi vaudza VaTsvangirai kuti kutaura nyaya dziri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa pamberi pemakurukota ehurumende, kutyora chibvumirano chekuvaka hurumba yemubatanidzwa.

Nyaya dzinonzi dzanetsa dzinosanginisira nyaya dzeminda, dzemagavhuna, vamiriri vedzimwe nyika, kutoreswa mhiko kwaVaRoy Bennet semutevedzeri wegurukota rezvekurima, nedzimwewo.

VaTsvangirai vari kuti VaMugabe vanofanirwa kuremekedza zvose zvakawiriranwa pakuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa. Asi VaMugabe vari kuramba vakatsika madziro.

Zvichitevera mumusangano uyu, VaTsvangirai vanonzi vabva vadoma chikwata chemakurukota chichaenda kunoongorora zviri kunetsa kumapurazi, uye chichavapa zviri kuitika neMuvhuro.

Chikwata ichi chichange chichitungamirwa naVaMutambara.

VaMugabe vanoti hapana mapurazi matsva ari kutorwa. Asi VaMutambara naVaTsvangirai vari kuwirirana kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mumapaurazi aya.

Kutaura kuno, nhengo dzeangano revarimi vachena, re Commercial Farmers Union, vanoti vari kuedza kutaura nehurumende kuti vapihwe muripo wemari inoita mabhiriyoni makumi maviri emadhora eku America. Varimi ava vanoti vari kuda kuti varipwe zvavo vosiya nyaya dzekurima zvachose, sezvo vari kushungurudzwa nehurumende.

Vachitaura nenyaya yezvirango iri kunzi naVaMugabe havasi kunyatsoita mutsindo pairi, VaTsvangirai vanonzi vati nyaya yemapurazi yakakosha kudarika zvirango sezvo vanhu vari kuziya nenzara nenyaya yekusarimwa kweminda.

VaJames Maridadi ndivo mutauriri waVaTsvangirai. VaMridadi vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti vakuru ava vazoguma votaura kuti voshanda vose sei.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG