Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Kwete kuMotokari dzeRBZ


Zvinonzi maita makakatanwa mubato reMDC pamusoro pemotokari dziri kuda kupiwa vamiriri vematare eparamende nebhanga guru reReserve Bank of Zimbabwe, kana kuti RBZ, sezvo bato iri ratora danho rekuti hakuna anofanirwa kutambira motokari idzi.

Zvinonzi MDC iri kuti nhengo dzeparamende dzinofanirwa kuwana motokari kuburikidza nechirongwa cheparamende chinokweretesa nhengo motokari, kwete kubva kuna gavhuna weRBZ, VaGideon Gono, sezvo zvirongwa zvaVaGono zviri izvo zvakaparadza upfumi hwenyika.

Asi dzimwe nhengo dzinonzi dziri kunyunyuta zvikuru nedanho ratorwa nebato iri.

Chief Whip weMDC muparamende, VaInnocent Gonese, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti bato ravo harisati rava nehumbowo hwekuti pane nhengo dzakatambira motokari idzi kubva kuRBZ.

Vatiwo vanenge vatora motokari idzi vachamiswa pamberi peExecutive Committee pamwe neNational Council yebata ravo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG