Accessibility links

Breaking News

CFU: Varimi Ngavabhadharwe US$20 Billion


Nhengo dze Commercial Farmers Union, CFU, dzinoti dziri kuita hurukuro nehurumende dziine chinangwa chekuti dziripwe mari inopfuura mabhiriyoni makumi maviri emadhora eku America paminda yakatorwa pamwe neiri kuda kutorwa nehurumende.

Varimi ava vari kuti kana vakapihwa mari iyi, vanobva vasiya minda iyi yotorwa nehurumende.

Mashoko aya anotevera kushungurudzwa kwakanyanya kunonzi kuri kuitwa varimi vechichena. Mutungamiri weCFU, VaTrevor Gifford, vanoti danho ravatora harirevi kuti havachada zvekurima, asi kuti vaneta nekushungurudzwa nehurumende pamwe nevatsigiri veZANU-PF.

VaGifford vanoti varimi vanodarika zana nemakumi mashanu vakaendeswa kumatare edzimhosva vachimanikidzwa kubva pamapurazi avo.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro na Advocacy Officer veCrisis In Zimbabwe Coalition, Muzvare Gladys Hlatshwayo, kuti tinzwe maonero avo panyaya yevarimi vechichena.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG