Accessibility links

Breaking News

Andy Flower Anoitwa Murairidzi weEngland Cricket


Nyanzvi yemutambo wecricket yaimbotambira chikwata cheZimbabwe, Andy Flower, agadzwa neChitatu semurairidzi wechikwata che cricket mu England.

Flower ange akafanobata chinzvimbo chemurairidzi mukuru wechikwata cheEngland. Flower, uyo akaberekerwa ku South Africa muna 1968, akauya kuZimbabwe nevabereki vake. Mutambi uyu akaramwa kutambira Zimbabwe mugore ra 2003 nemumwe wake Henry Olonga, vachiti vakange vasiri kufara nemafambisirwo akanga achiitwa zvinhu munyika.

Flower akambotambira chikwata che Essex cheku Britain ne Australia Domestic league. Olonga anoti ane chivimbo chekuti Flower achaita basa rake zvinofadza pasi rose.

Vatsigiri vemutambo wecricket vanoti izvi zvinofadza kunzwa kuti Flower ndiye ave murairidzi wechikwata che England sezvo zvichiratidza kuti Zimbabwe inogona kudzidzisa vatambi vane hunyanzvi hwepamusoro.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro nemuongorori wemutambo wecricket, VaBrian Goredema, kuti tinzwe maonero avo pabasa idzva raFlower.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG