Accessibility links

Breaking News

SADC Yotatarika Kutsvaga Mari yeKubatsira Zimbabwe


Nyika dzemuSADC idzo dzange dzichitarisirwa kuti dziudze Zimbabwe neChipiri kuti dzaiwanira mari yakadii yekugadzirisa hupfumi hwayo, dzinenge dzakundikana uye dziri kuda kuwedzerwa nguva yekuti dzimbozeya nyaya iyi.

SADC yakati iri kuda kubatsira Zimbabwe kuti ikwanise kuwana mari inosvika US$8,3 million pasi pechirongwa cheShort-Term Economic Recovery Program, icho chakaparurwa nehurumende yemubatanidzwa.

Asi kusvika pari zvino, South Africa chete ndiyo yaisa R800 million patafura yekubatsira Zimbabwe.

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko muZambia, Retired Lt General Ronnie Shikapwashata, vaudza Studio 7 kuti dare ravo remakurukota riri kuda nguva yekupedza kuzeya nyaya iyi.

Ukuwo Swaziland, Malawi, Lesotho nedzimwe nyika diki dziri kunetsekawo kuti dzitsvage mari dzichiti nadzowo dziri mumatambudziko.

Botswana inotiwo iri kunetsekawo nemari. Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa, Amai Nkosazane Dlamini-Zuma, vanotiwo SADC yakatotumira zvikwata zvemakurukota ku European Union nekuAmerica kuzokumbira nyika idzi kuti dzibvise zvirango zvadzakatemera Zimbabwe, uye kuti dzibatsire Zimbabwe nemari.

VaJoy Mabenge ndivo Democracy and Governance Manager musangano reInstitute for a Democratic Alternative for Zimbabwe.

VaMabenge vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti nyika dzemuSADC dziri kutononga svosve nemuromo nekudaro kuti dzingabatsire Zimbabwe zvichati netseyi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG