Accessibility links

Breaking News

VaGuni Votaura Pamusoro peHukama hweGlobal Fund neNAC


Sangano reGlobal Fund rinonzi rati mari yaro yarinopa Zimbabwe, kuti ishandiswe muzvirongwa zveHI/AIDS, TB nemarariya, inofanirwa kupinda muhomwe ye United Nations Development Program, kana kuti UNDP, kwete kuti ibatwe ne National Aids Council, NAC.

Zvinonzi Global Fund yakatonyorera NAC tsamba ichiudza sangano iri nezvedanho rakatorwa nevakuru vakuru veGlobal Fund. Zvinonzi Global Fund haina kufara zvikuru nemabatirwo emari yayo inoita mamiriyoni manomwe emadhora ekuAmerica nebhanga guru renyika.

Mari iyi inonzi yakambotsakatika iri mumaoko eRBZ, bhanga guru renyika rikazodzosera mari iyi mushure mekunge Global Fund yati yakanga isangapi Zimbabwe imwe mari kudzamara mari iyi yadzoswa.

Doctor Frenk Guni ndivo Technical Director vebazi rezve HIV/Aids and Infectious Diseases musangano re Management Systems International, iro rinoshanda ne USAID. VaGuni vanoziva zvikuru mashandiro eGlobal Fund pamwe neNAC.

VaGuni vanoti semaziviro avo, danho rakatorwa neGlobal Fund rakanaka zvikuru nekuti hurumende, kuburikidza nebhanga guru renyikam haina kuita zvinovimbisika pamari dzeGlobal Fund.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaGuni kuti tinzwe pfungwa dzavo panyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG