Accessibility links

Breaking News

ZIFA neBulawayo Dzoti Hapana  Mutauro paNyaya yeWorld Cup

Sangano reZimbabwe Football Association (ZIFA) inoti bopoto riri kunzi riripo pakati paro nevagari vemuBulawayo pamusoro pehurongwa hweWorld Cup 2010, hachisi chokwadi sezvo pasati pave nezvikwata zvati zvaratidza kuda kuitira gadziriro yazvo munyika yose pari zvino.

Mashoko ari kubuda mumabepanhau epa internet anoti ZIFA yakatozivisa Bulawayo City Council kuti guta iri harisi kuzowana zvikwata zvichashandisa nhandare dzemuguta iri. Asi Chief Executive veZIFA, Muzvare Henrietta Rushwaya, vanoti aya manyepo sezvo pasati pava nezvikwata zviri kuratidza kuda kushandisa nhandare dzemuZimbabwe yose.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naMuzvare Rushwaya pemusoro pemakakatanwa aya.

Ukuwo meya weguta reBulawayo, VaPatrick Moyo, vanoti havasati vanyorerwa neZIFA nezvehurongwa hwemakwikwi e2010 World Cup, ayo achaitirwa kuSouth Africa gore rinouya.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG