Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yorerutsira Vabereki Vanoshaya


Hurumende inoti vabereki vari kukundikana kubvisa mari dzechikoro, vanokwanisa kukumbira zvikoro zvevana vavo kuti vabvise mari idzi pashoma nepashoma.

Mashoko aya ataurwa negurukota rezvedzidzo, VaDavid Coltart, pamusangano wavaita nevatori venhau mu Bulawayo neChitatu.

VaColtart vatiwo vabereki vanenge vasingakwanisi zvachose kubvisa mari idzi, vanofanirwa kuisa zvichemo zvavo kuvakuru vezvikoro vachitsanangudza mari dzavanowana pamwedzi uye kukura kwakaita mhuri dzavo. Vatiwo zvichemo izvi zvinozoongororwa nemakomiti emuzvikoro, uye hurumende iri kupa vakuru vezvikoro masimba ekutora matanho pakuona kuti ndevapi vabereki vanofanirwa kubatsirwa.

Asi munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti varairidzi vacharamwa basa zvakare pachavhurwa zvikoro mumasvondo maviri anotevera, sezvo vasiri kufara nemari dzavari kutambiriswa.

VaMajongwe vanoti varairidzi vakatarisana nedambudziko guru sezvo vari kutambiriswa mari isina zvainokwanisa kuita.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaMajongwe pamusoro penyaya iyi kuti tinzwe zviri kupa kuti nhengo dzesangano ravo dziramwe mabasa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG