Accessibility links

Breaking News

Vanhukadzi Vozeya Mamiriro Akaita Hurumende yeMubatanidzwa


Masangano anomirira vanhukadzi muZimbabwe aita musangano wezuva rimwe chete neChipiri wekutsvaga nzira dzekusimudzira vanhukadzi, pamwe nekuva nerakanaka remangwana.

Musungano uyu, uyo wakarongwa nemubatanidzwa wemasangano evanhukadzi we Women's Coalition of Zimbabwe, wabata bata mamiriro akaita hurumende yemubanidzwa iyo vati haina vanhukadzi vakawanda.

Vachitaura pamusangano uyu, vaimbove mubati wechigaro musangano reNational Constitutional Assembly, Amai Thoko Matshe, vati vanhukadzi vanofanirwa kutora matanho makuru apo bumbiro remitemo yenyika rinenge ronyorwa zvakare. Amai Matshe vatiwo kugadzirisa bumbiro remitemo yenyika kuitira kuti rive nemitemo inochengetedza kodzero dzevanhukadzi, ndicho chinhu chinofanirwa kuitwa izvozvo, sezvo mvura yakadeuka kare pakaumbwa hurumende yemubatanidzwa.

Dare remakurukota ehurumende yemubatanidzwa rine vanhukadzi vapfumbamwe chete, uku vanhurume vari makumi matatu nevapfumbamwe, avo vanosanganisirawo muchuchisi mukuru wehurumende, kana kuti Attorney General, uyo anogarawo mudare remakurukota.

Vanhukadzi vari mudare remakurukota vanoti; Amai Joice Mujuru, Muzvare Thokozane Khupe, Amai Sekai Holland, Amai Paurina Gwanyanya Mupariwa, Amai Theresa Makone, Amai Priscilla Misihairambwi-Mushonga, Amai Sithembiso Nyoni, Amai Olivia Muchena na Amai Flora Bhuka.

Gurukota rinoona nezvevanhukadzi, Amai Olivia Muchena, vabvuma kuti ichokwadi kuti huwandu hwevanhukadzi vari muhurumende yemubatanidzwa, hauburitse chokwadi chemamiriro akaita zvinhu munyika. Vatiwo kunyange hazvo izvi zvakakanganiswa, vanhukadzi vanofanirwa kutarisa mberi, voshanda zvakasimba, kuitira kuti vaonekwe vaine zvinzvimbo zvakawanda muhurumende ichagadzwa mushure mehurumende yakafanobata matomu iyi.

Mumiriri weSweden muZimbabwe, Va Sten Rylander, avo vange vakakokwawo kumusangano uyu, vati munyika munofanirwa kuva negwara rekugadzirisa zvinhu zvose zvakaipa zvakaitika munguva yemhirizhonga gore rapera. Vati hurongwa uhu hunofanirwa kutsvaga nzira dzekugadzirisa zvinhu murunyararo.

Mutungamiri weWomen Coalition of Zimbabwe, Amai Netsai Mushoko, vati vanhukadzi vakashungurudzwa zvikuru munguva yesarudzo, uye vanhu vose vakarwadzisa vamwe, kana kuponda vamwe, vanofanirwa kumiswa pamberi pematare edzimhosva, vachitongwa nemhosva dzavakapara, kuitira kuti munyika muve nekugadzikana, pamwe nekuregererana kwechokwadi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG