Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti Mhirizhonga Inogona Kuitika Zvakare  Munyika


Sangano reEconomist Intelligence Unit, kana kuti EIU, rinoti Zimbabwe inogona kupedzisira yoita mhirizhonga kana ikasagadzirisa mamiriro ezvinhu ari kukonzera kuti vanhu vanonge svosve nemuromo.

Sangano iri rinotiwo pachava nemutauro pakugadzirisa bumbiro remitemo yenyika sezvo veruzhinji vari kutarisira kuti munyika muve nebumbiro rinobva muvanhu. Sangano iri rinotiwo nyaya dzehuori dzichasvibisa moyo yevakawanda, uye kutyorwa kuri kuitwa mitemo nevamwe vari muhurumende, zvichaita kuti chimiro chehurumende yemubatanidzwa chishate.

Nyaya yekutorwazve kwemapurazi evachena mashoma asara inonzi inogona kukonzera kuti hurumende yemubatanidzwa indengendeke, uye kutadza kuwana rubatsiro kubva kumasangano anobatsira.

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti vari kubvuta mapurazi vanofanira kusungwa, kunyange hazvo pasati pave nemunhu asungirwa nyaya yekubvutwa kwemapurazi.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanonzi vari kukurudzira kutorwa kweminda, izvo zviri kupa kuti vatadze kubuda pachena vachitsiura zviri kuitwa nenhengo dzebato ravo, pamwe nevamwe vakuru vakuru vari muhurumende vari kudivi reZanu PF.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti VaMugabe vachine daka nevachena panyaya yemapurazi.

Nyaya yekutorwa kweminda yange ichifanira kugadziriswa svondo rino, asi yakambomiswa sezvo VaTsvangirai vari kumbochema muzukuru wavo, Sean, uyo akafa mushure mekuwira muduhwino neMugovera.

VaPedzisayi Ruhanya vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachiita zvidzidzo zvepamusoro paMinnesota State University.

VaRuhanaya vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti nyaya yeminda yoga haingakonzere kudengendeka kwehurumende yemubatanidzwa, asi kuti nyaya yemhirizhonga.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG