Accessibility links

Breaking News

Vana Muzvinabhizinesi muSouth Africa Voshanyira Zimbabwe


Chikwata chevemabhizimusi muSouth Africa, che Business Unity South Africa, BUSA, chapinda munyika neMuvhuro chikaita hurukuro nehurumende pamusoro pemitemo inobata kuvambwa kwemabhizinesi muZimbabwe.

Chikwata ichi chiri kutarisa mikana yekutanga mabhizimusi akaita semigodhi, zvitoro, mabhanga, kugadzira simende, kuvakwa kwedzimba, zvitori zvemishonga nezvimwe zvakadaro.

Chikwata ichi chinonzi chasangana nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemakurukota ehurumende anoti gurukota rezvemari, VaTendai Biti, gurukota rezvekurongwa kwehupfumi, VaElton Mangoma, gurukota rezvemaindasitiri, VaWelshman Ncube, pamwe negurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu.

Chikwata cheBUSA change chiine vanhu makumi maviri nevaviri, uye chichitungamirirwa neshasha munyaya dzemabhizinesi emigodhi, VaPatrice Motsepe. Mushure mekuita musangano nehurumende, BUSA yasanganawo nevakuru vakuru vezvemabizinesi muZimbabwe.

VaMotsepe vaudza vatori venhau kuti BUSA yanga ichida kupihwa vimbiso yakasimba nehurumende, sezvo paine kutyirwa kuti Zimbabwe inogona kushandura mitemo yayo yobvuta mabhizinesi anenge aine vanhu vekunze sezvayakaitwa pamapurazi evachena.

Gore rapera hurumende yaVaMugabe yakavandudza mitemo yemakambani ichiti makambani ekunze ose ari munyika aifanirwa kupa zvimwe zvikamu zvawo zvehupfumi kuvanhu vemuZimbabwe.

VaMotsepe vatiwo vane chivimbo chekuti Zimbabwe inogona kubuda mumadhaka ayiri kana ikatevedza mitemo.

Kubva pakaumbwa hurumende yemubatanidzwa muna Kukadzi, Zimbabwe iri kuedza kukwezva vemabhizimusi vekunze kuitira kuti vapinde munyika kuzobatsira mukumutsiridza upfumi hwenyika, uho hwanga huchienda kumawere kwemakore gumi nepamusana pemitemo isina kunaka uye hurongwa husina kufungwa zvakanaka nehurumende.

Hurumende yemubatanidzwa inoti ine hurongwa hwekuvandudza hupfumi hwenyika, uye yatanga neMuvhuro hurongwa hwemazuva zana hwekuona kuti matanho ari kutorwa mukugadzirisa hupfumi hwenyika.

Asi vemakambani ekunze pamwe nemasangano anobatsira vari kutya kuita mabhizinesi kana kubatsira hurumende yeZimbabwe, sezvo VaMugabe vachizivikanwa nekutyora mitemo vachiita pamadiro.

Gurukota rinoona nezvekurongwa kwezve hupfumi, VaElton Mangoma, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti vanotarisira kubudirira kwehurukuro dzavaita nechikwata chekuSouth Africa ichi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG