Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inotanga Musangano weKupangana Mazano  kuVictoria Falls


Hurumende yakatanga neChishanu musangano wemazuva matatu wekuzeya zvinofanirwa kuitwa, kuitira kuti nyika ifambire mberi.

Musangano uyu uri kuitirwa kuVictoria Falls, uye uri kupindwa nemakurukota ose nevatevedzeri vavo, pamwe nevanyori vemapazi ehurumende.

Musangano uyu unonzi uri kutarisirwa kushandisa mari inoita zviuru zana nemakumi mashanu emadhora eku America, uye wakarongwa nebhanga guru repasi rose, reWorld Bank, kuburikidza nemari iri kubva muhurongwa hweMulti Donor Trust Fund.

Vachitaura pamusangano uyu, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vati hurumende yavo yakazvipira kugadzirisa zvose zviri kunetsa. Vaudza makurukota avo kuti vanofanirwa kushandisa mukana uyu kuumba hurongwa hunofanirwa kutevedzerwa nehurumende.

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vatiwo kuti hurumende yavo ibudirire, inofanirwa kugadzirisa zvose zvasara, izvo zvinosanganisira nyaya yemagavhuna, vamiriri vekunze kwenyika, vanyori vemapazi ehurumende, pamwe neyevasungwa vezvematongerwo enyika vachiri muhusungwa.

VaTsvangirai vatiwo vachagara pasi nemumwe wavo, VaMugabe, kuitira kuti vagadzirise kekupedzisira nyaya dzose dzichiri kusawiriranwa. Vatendawo World Bank nerubatsiro rwemari yashandiswa pakuita musangano uyu.

VaCharles Mangongera inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti zvaitwa nehurumende zvakakosha sezvo zvichipa mukana wekuumba gwara rinofanirwa kutevedzwa nehurumende.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG