Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai: Nyika Dzakabudirira Batsirai Zimbabwe


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti nyika dzakabudirira dzinofanirwa kubatsira Zimbabwe nemari uye nezvimwe zvese zvinodikanwa, kuitira kuti isarambe ichinyura mumadhaka mairi.

Mugwaro ravaburisa neChina, VaTsvangirai vatiwo chinhu chisina kunaka kuti nyika dzakabudirira dzirambe dzakatemera Zimbabwe zvirango, vachiti hurumende yemubatanidzwa iri kuita zvose zvainokwanisa mukugadzirisa zvinhu munyika, kusanganisira kuremekedza kodzero dzevanhu.

VaTsvangirai vatiwo vana veZimbabwe havafanirwi kushungurudzwa nenyika idzi, nekusapuwa rubatsiro, nekuti VaMugabe vachiri muhurumende yemubatanidzwa. VaTsvangirai vakurudzira nyika dzakabudirira idzo dziri kuita musangano we G-20 ku London kuti dzibatsire Zimbabwe.

Professor John Makumbe inyanzvi munyaya dzezvematongero enyika, uye vari mudzidzisi pa University of Zimbabwe. Ntungamili Nkomo weStudio7 aita hurukuro naVaMakumbe kuti tinzwe maonero avo pamashoko aVaTsvangirai.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG