Accessibility links

Breaking News

Vasungwa Vanonzi Vari Kufa Zvakanyanya Mumajeri


Zvinhu zvinonzi hazvina kumira zvakanaka mumajeri emunyika, umo munonzi vasungwa vangangosvika makumi maviri vari kufa pazuva roga-roga mumajeri makumi mashanu nemashanu ari munyika.

Sangano reZimbabwe Association for Crime Prevention and Rehabilitaion of Offenders, (ZACRO) rinoti dambudziko guru rakatarisana nemajeri emunyika pari zvino ndere kushayikwa kwemari yekutenga chikafu pamwe nemishonga. Zvinonzi chiri kunyanya kuuraya vasungwa ava, iri nzara nezvirwere zvinorapika.

ZACRO inotiwo hurumende iripo pamwe nebazi rezvemajeri reZimbabwe Prison Services havasi kunyanya kuratidza hany’a mukugadzirisa dambudziko iri.

Nhepfenyuro yeSouth African Broadcasting Corporation neChipiri yakatangawo kuburitsa zvayakawana mutsvakiridzo yakaitwa muchiwande iyo inoratidza mamiriro akaita zvinhu mumajeri emuZimbabwe.

Sachigaro weZACRO, VaEdison Chihota, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti bazi reZimbabwe Prisons Services rinoda rubatsiro kuti rikwanise kuchengeta vasungwa zvakanaka.


Dzimwe Nhua Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG