Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanotanga Basa neKuvimbisa Kugadzirisa Zviri Kunetsa


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakatanga basa zviri pamutemo neChitatu mushure mekumbozorora vachichema kushaya kwemudzimai wavo Amai Susan Tsvangirai munjodzi yemotokari nemusi wa 6 Kurume.

VaTsvangirai vanoti vari kuda kuti vagadzirise nechimbichimbi nyaya dzasara muhurumende yemubatanidzwa dzinoda kugadziriswa dzakaita seyemagavhuna, vanyori mumapurazi ehurumende, kutorwa kwemapurazi, pamwe nekuburitswa muhusungwa kwevanhu vakasungirwa nyaya dzezve matongerwo enyika.

VaTsvangirai vatanga basa nekudana gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemamwe makurukota ehurumende, kuti vazeye zvavanoda kuti zviitwe nemakurukota aya.

Vane ruzivo nezvaitika vanoti VaMnangangwa naVaTsvangirai vabatabatawo nyaya yemhirizhonga iri mumapurazi. VaJames Maridadi ndivo mutauriri waVaTsvangirai.

VaMaridadi Blessing Zulu weStudio 7 kuti musangano wekugadzirisa zviri kunetsa pakati paVaTsvangirai nevatevedzeri vavo naVaMugabe nevatevedzeri wavo wambosendekwa parutivi nenyaya yekuti mutevedzeri waVaTsvangirai, Muzvare Thokozane Khupe, vari kumbochema amai vavo vakashaya svondo rapera neChina.


Dzimwe Nhau Kubva KuStudio7...

XS
SM
MD
LG