Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai  Vanoti Vari Kupamba Mapurazi Ngavasungwe


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti vanhu vese vari kupamba mapurazi vanofanirwa kusungwa.

VaTsvangirai vakataura mashoko aya neChishanu pamusangano wakaitwa nemakurukota ehurumende, vemasangano anoshanda akazvimirira, vemabhizimusi pamwe nevamiriri vedzimwe nyika muZimbabwe.

Mashoko aVaTsvangirai anopesana nemashoko ari kutaurwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vanoti hapana kudzokera shure panyaya yekutorwa kwemapurazi.

Gurukota rezvemukati menyika, VaKembo Mohadi, vanoti hapana zvakawanda zvavangataure nezvemashoko aVaTsvangirai, sezvo vari mukuru wavo.

Vatiwo kana paine zvinenge zvanetsa mumapurazi, vanotosumwawo negurukota rezveminda, VaHerbert Murerwa.

Ukuwo VaMurerwa vanotiwo vachiri kuita ongororo yezviri kuitika mumapurazi uye vachazivisa zvavanenge vawana nekufamba kwenguva.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti kupambwa kwemapurazi kunofanirwa kumiswa zvachose, kana Zimbabwe ichida kuwana rubatsiro runobva kunze kwenyika.

VaEarnest Mudzengi vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari National Director veNCA. VaMudzengi vaudza Blessing Zulu weStudio7 zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa inyaya yekuti VaMugabe naVaTsvangirai havasi kuimba rwiyo rwumwe chete.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG